Luke 5

Kudanwa kwaVadzidzi Vokutanga

1Rimwe zuva Jesu zvaakanga amire paGungwa reGenesareti, vanhu vakaungana vakamukomberedza vachiteerera kushoko raMwari, 2uye akaona magwa maviri kumhenderekedzo dzegungwa, akanga asiyiwapo navabati vehove, vakanga vachisuka mambure avo. 3Akakwira mune rimwe ramagwa acho, rakanga riri raSimoni, akamukumbira kuti ariswededze zvishoma kumahombekombe. Ipapo akagara pasi akadzidzisa vanhu ari mugwa.

4Akati apedza kutaura, akati kuna Simoni, “Chiriswededza kwakadzika ugokanda usvasvi ubate hove.”

5Simoni akapindura akati, “Tenzi, takashanda zvakaoma usiku hwose uye hatina kubata chinhu. Asi sezvamadaro imi, ndichakanda hangu mambure.”

6Vakati vaita saizvozvo, vakabata hove zhinji kwazvo uye mambure avo akatanga kubvaruka. 7Saka vakaninira vamwe vavo vakanga vari mune rimwe igwa kuti vauye vazovabatsira, ivo vakauya vakazadza magwa ose ari maviri; akazara zvokuti akatanga kunyura.

8Simoni Petro akati achiona izvi, akawira pamabvi aJesu akati, “Ibvai kwandiri, Ishe; ndiri mutadzi!” 9Nokuti iye neshamwari dzake vakashama kwazvo nokuda kwehove dzavakanga vabata, 10uye vanaJakobho naJohani, vanakomana vaZebhedhi, vamwe vaSimoni, vakashamawo.

Ipapo Jesu akati kuna Simoni, “Usatya; kubva zvino uchava mubati wavanhu.”
11Saka vakakwevera magwa avo kumahombekombe, vakasiya zvose uye vakamutevera.

Jesu Anonatsa Munhu Akanga Ana Maperembudzi

12Jesu paakanga achiri mune rimwe ramaguta, mumwe murume akanga azere namaperembudzi akauya. Akati achiona Jesu, akawira pasi nechiso chake akamukumbira zvikuru achiti, “Ishe, kana muchida, munogona kundinatsa.”

13Jesu akatambanudza ruoko rwake akabata murume uyu akati, “Ndinoda, chinatswa!” Pakarepo maperembudzi akabva paari.

14Ipapo Jesu akamurayira akati, “Usaudza munhu, asi enda undozviratidza kumuprista ugopa zvibayiro zvakarayirwa naMozisi zvokunatswa kwako, chive chapupu kwavari.”

15Asi mukurumbira wake wakapararira kwazvo, zvokuti vanhu vazhinji zhinji vakauya kuzomunzwa uye kuti vaporeswe zvirwere zvavo. 16Asi, kazhinji Jesu aizvitsaura achienda kusina vanhu kuti andonyengetera.

Jesu Anoporesa Munhu Akanga Akaoma Mutezo

17Rimwe zuva paaidzidzisa, vaFarisi navadzidzisi vomurayiro, vakanga vabva mumisha yose yeGarirea neJudhea uye neJerusarema, vakanga vagerepo. Uye simba raShe rakanga riripo kuti aporese vanorwara. 18Vamwe varume vakasvika vakatakura murume akanga akaoma mutezo parukukwe vakaedza kuti vamupinze mumba kuti vandomuradzika pamberi paJesu. 19Vakati vashayiwa nzira yokupinda nayo nokuda kwokuwanda kwavanhu, vakakwira pamusoro pedenga vakamuburutsa ari parukukwe rwake nepamapfiriro, pakati pavanhu, pamberi paJesu chaipo.

20Jesu akati aona kutenda kwavo, akati, “Shamwari, zvivi zvako zvaregererwa.”

21VaFarisi navadzidzisi vomurayiro vakatanga kufunga vachiti, “Ndianiko munhu uyu anotaura achimhura Mwari. Ndianiko anoregerera zvivi kunze kwaMwari chete?”

22Jesu aiziva zvavaifunga uye akabvunza achiti, “Seiko muchifunga zvinhu izvi mumwoyo yenyu? 23Ndezvipiko zvakareruka: kuti, ‘Zvivi zvako zvaregererwa,’ kana kuti, ‘Simuka ufambe’? 24Asi kuti muzive kuti Mwanakomana woMunhu ane simba panyika rokuregerera zvivi.” Akati kumurume akanga akaoma mutezo, “Ndinoti kwauri, simuka, tora rukukwe rwako uende kumba.” 25Pakarepo akasimuka pamberi pavo, akatora rukukwe rwaakanga avete parwuri akaenda kumba achirumbidza Mwari. 26Munhu wose akashamiswa nazvo akarumbidza Mwari. Vakazadzwa nokutya vakati, “Taona zvinhu zvinoshamisa nhasi.”

Kudanwa kwaRevhi

27Shure kwaizvozvo, Jesu akabuda akaona muteresi ainzi Revhi akagara paimba yake yokuteresa. Jesu akati kwaari, “Nditevere.” 28Revhi akasimuka, akasiya zvinhu zvose akamutevera.

29Ipapo Revhi akaitira Jesu mabiko makuru pamba pake, uye vateresi vazhinji kwazvo navamwewo vakadya navo. 30Asi vaFarisi navadzidzisi vomurayiro vakanga vari veboka ravo vakagununʼuna vakati kuvadzidzi vake, “Seiko muchidya navateresi navatadzi?”

31Jesu akavapindura akati, “Vasingarwari havatsvaki chiremba, asi vanorwara. 32Handina kuuya kuzodana vakarurama, asi vatadzi kuti vatendeuke.”

Vanobvunza Jesu pamusoro poKutsanya

33Ivo vakati kwaari, “Vadzidzi vaJohani vanotsanya kazhinji uye vachinyengetera, uye vadzidzi vavaFarisi vanodarowo, asi venyu vanoramba vachidya nokunwa.”

34Jesu akavapindura akati, “Mungaite here kuti shamwari dzechikomba dzitsanye iye achinavo? 35Asi nguva ichauya apo chikomba chichabviswa kwavari; mumazuva iwayo vachatsanya.”

36Akavaudza mufananidzo uyu akati, “Hakuna munhu anobvarura chigamba kubva panguo itsva achichisonera panguo tsaru. Kana akadaro, anenge abvarura nguo itsva, uye chigamba chinobva panguo itsva hachibatsiri panguo tsaru. 37Uye hakuna anodira waini itsva mumaguchu amatehwe matsaru. Kana akadaro, waini itsva ichatsemura matehwe, waini itsva ichateuka uye maguchu ewaini achaparadzwa. 38Kwete, waini itsva inofanira kudirwa mumaguchu amatehwe matsva. 39Uye hakuna munhu anoti ambonwa waini tsaru ozoda waini itsva, nokuti anoti, ‘Tsaru iri nani.’ ”

Copyright information for SnaBDSC